Pindula
HomeMarketEntertainment

Follow my feelings** novel chapter 1

Follow my feelings** novel chapter 1
$2
In Stock
Make Order

Cash on Delivery

https://chat.whatsapp.com/Hrurz7iJXs8CGwNp5snAB8 https://chat.whatsapp.com/BcG4SDg5dl1IVlNddgmQht * FOLLOW MY FEELINGS * Story written by Kule C (Joe Chimunhu) 0775937782 0781003960 Chapter 1 I was in love naTanaka Chiuswa. Muraini medu hapana ainge asingazvizive kunyangwe nevana vadiki. Tanaka ndaimuda nemoyo wese and chaindifadza ndechekuti iye aindidawo. Ko zvaimbonetsa here kuona kuti apa ndinodiwa apa ndiri kuda kungotambisirwa time yangu. Zviito zvemunhu ndizvo zvinokuratidza mukore uno. Wangu wandaida aisapedza day asina kuzondiona. Ini ndaibva ndakwira ndege yemashanga, kuita kuzvitutumadza chaiko. Ndaidiwa mhani. Tanaka aive akagumura form 6 achibva kumhuri inozviwana. Both maparents ake vainge vari ma teachers, ini ndini ndaibva kumhuri yakangodaro daro. Kunyangwe zvakadaro chaingondifadza ndechekuti aindida nekutambura kwangu ikoku.... Ndakaenda kunozvigeza geza sezvo Tanaka ainge andiisira message achiti aida kuzondiona. Mazuva maviri ainge apfuura tainge tisina kuonona, so semunhu ainge agarisa asina kuona chiponda Moyo chake ndakazvigeza pose pose zvemandorokwati ndokubva ndapfeka hembe dzakangodaro daro, umu mugumbo ndakabva ndapfeka mapush ainge akasiyana, rimwe raive re red rimwe riri re green. Kuita flag yeZimbabwe chaiyo. Ndapedza kupfeka ndakaoneka Mhamha vangu ndichivaudza kuti ndaienda kunotsvaga zvikuni... Ndaida kungowana mabviro, ivo vakabva vati" Iwe Raviro ukati uri kutoenda kunotsvaga soso here kana kuti kunoona Tanaka" munoziva ndakaita kunonzi kunyara. Pane kuti ndipindure ndakabva ndangotanga kuseka.." Pindura kaah nhai. Unoti chero ukandiudza chokwadi ndipo pandichabatikana here, ndakabva neko kumhunga uko. Chinongodiwa kungoziva kuti ndikadai ndinofanirwa kuzvidzora handiti?" ...ndakasekenyeka kunge kanzenza ndokubva ndabva pamukova. Mhamha vangu vaisave munhu ane pressure pluz kutaurisa, in fact vaive munhu ari right. Mazuva ekutanga Tanaka aitoita zvekusvika pamba chaipo. Asi ini ndakazomurambidza, ndaona kuti ndainge ndave kuzvibvisa chimiro. Ndasvika muchikomo matainge tataurirana ndakawana Tanaka akatogara hake padombo, uku achibaya zi iphone rake. Munzeve ndimo mainge makaiswa ma Bluetooth earphones, chiona smart yainge yakapfekwa umm mukomana aizvichenera iyeyu. Apa zvaimufita sei zvaipfeka zvacho, Iye achingonditi baa akabva andimhanyira ndokundimbundira, " aaah thought kuti hauchauya kaaah darling" he said mashoko aya apedza kundimbundira.. " ndichiregerei hangu. Ufunge I miss you in i. Two days idzodzi kutondiitira kunge makore matatu ufunge hako" " me too Raviro... And today you are looking so beautiful" He said izvi ndokubva aita sekakutsonyerera soo. Kaimutiro kake kaizondinakidza hameno kuti iye aizviita sei? Ini ndakambozviedza ndikazviruma rurimi aaah ndisiyei zvangu. Ndakabva ndatogara pamakumbo ndokubva tatanga hedu kuita nyaya pamwe chete nekuyemedzana. " asi Raviro ndokumbirawo kubvunza kuti unotondidawo here nemoyo wese" " ehe ndinokuda ini. Chero ndikanzi unoda chii sadza naTanaka ndingafe ndatora iwewe" " nyepa" " serious" " so kana uchindida why usati wambondipa muchero wangu" Ndakabva ndatarisa kuside hangu. Kutovhunduka pamwe nekushamisika ne zvainge zvataura mumwe wangu. " aah ko ndiko kwazvave here?" " ehe ufunge ndinoda kuziva kuti unondida here? Unoziva unogona kungodanana nemunhu asingakude or kuchengetera mumwe munhu muchero" " haibo hakuna mumwe wandichapa kunze kwako Tanaka, hunge wazondiroora" " ndichimbomirira kuroora here amana" Akadero atsvukisa maziso ake, ini ndakabva ndanzwa kubaiwa kumagaro angu uku. Hezvoo ko zvainge zvatoipa paye. " please Raviro... Ka one chete here?" " no Tanaka" " no chii futi? Ndi kuziva kuti ukutya zvenhumbu.. Tinoita neprotection horaiti" Akabva atanga kundinyengedza, ini handina kumboramba semunhu aidawo kufadza mukomana wake. Ndainge ndichiri virgin zvangu. Ndakabva ndatangiwa neni imikaah magetsi aya akati andibata muviri wese, pave paya ndakabva ndanzi ndirare pasi . Ndokubva ndaita sekutaura kwake. Iye ndokubva auya pamusoro pangu, Ndakazonzwa ichiita kupinda, ungati imhere yandakaridzw ipapo here? Ndaingonzwa kuti kubviswa humhandara kunorwadza, chokwadi ndakarwadziwa hangu. Ndakatomboedza kumutsunya kuti andisiye asi iye akaramba akabairira dzamara yazopinds yose. Ndakabudisa misodzi pamwe chete nekubudisa mweya. Misodzi yekurwadziwa ... Haa ndakabva ndashandiwa neni.. ndipo pandakabva ndangopera strong. " thanks babie nekundipawo zvinhu zvangu" Akadero achibvisa condom ndokubva ariisa mune chimwe chipepa. " so unoda kuenda naro kupi?" " kunorasira kure babie, ufunge ndinotya kugadzirwa" " but une hutsinye hona handichagona kana nekufamba" " Inga ndati sorry wani " " saka kumba ndinonosvika ndichiti ndaita sei? Tanaka une hutsinye hako. Hope hausi kuzondisiya" " ndichikusiya nani nhai?" Akabva atanga kundiridzira masongs erudo muphone make. Inini pain ndainge ndichiri kuinzww zvangu, takazoparadzana ini ndokuenda kumba. Kuenda kumba ndakaenda ndichiita zvrkukamhinira. Kuzasi kwangu uku kwaiita kuvhita kwete zvejoke. Luck enough ndakawana momz vasipo , ndaizotaura ndichiti ndaita sei?. Hameno kwainge kwaendwa, ndakabva ndangonozvigeza pamwe chete nekuchinja mbatya dzangu Mazuva akapindana mushure mekunge ini ndapa Tanaka humhandara hwangu. Ndainge ndisingachazive kumuona, even kumufonera kwacho phone yangu aisadaira. Hameno kuti chii chaimbotora nzvimbo kune mumwe wangu uyu. " Raviro mazuvano ukurwara here?" Vakandibvunza Mhamha vangu apo ndainge ndakangobata rushaya ndiri paseri peimba. " inini kurwara here?" " ehe why mazuvano wakangolenga lenga" " zvamhamha akomana. Heya munhu akanyarara zvorevw kuti arwara here?" " necorona iyi tinodzoko totya mwanangu. Kana uri right hapanw chakaipa" Vachingobva pandiri ndakabva ndaedza kufonera Tanaka, panguva iyi phone yake yakapinda asi akadaira ndiye asipo. Ndakaramba ndichiedza kumufonera dzamara azoidaira, "urikudei nhaiwe" ndakapera strong nemhinduro yaTk. Ndakabva ndatanga kukakama ndiri paphone paye,..." Nhaiwe Tanaka asi hauchandide" ndakasara ndotaura ndega munhu ainge atokata phone yake. Umm ndikati kukata ndinganyepa, ndofunga airtime ndiyo yainge yaperw. Ndakabva ndacheka balanze wanike zero zero game reZimbambwe neMalawi 2003. Kutoedza kukwereta yakaramba sezvo mainge magara mune chimwe chikwereti. Ndakabva ndaisa ma please call. Ndakamira dzinenge 30 minutes ndichiti ndichanzwa phone kumirira asi zvakaenda nepamwewo. Chi ringtone chekuti phone yapera moto ndicho chakazorira. Zvinoreva here kuti Tanaka ainge asingachsndide. Izvi zvakandirambira. Tanaka anondida, something is fishy chete. Ndakazoenda hangu mumba kunotora mugomo ndokuenda kumvura, sezvo mumba yainge yakupera ndiri munzira ndiye dhuma dhuma naTanaka uya. Ndakatanga kupisa nyemwerero ndichiri chinhambwe. Kuita kunyemwerera kunge mynhu anhonga dolaar USA mazuvano rakushura kunhonga iri. Ungatonhonga ndove pane kunhonga dollar. Iye Tanaka akaita kunge asina kunfiona zvake, ini ndakabva ndaisa bucket pasi ndokumhanyira mumwe wangu. Ndakusvika paari akabva andinzvenga ndokunowira kwakadero. " hiii nhai Tanaka" I said ndichimuka pandainge ndadonhera " please Raviro chisiyana neni. Handichisiri mukomana wako. In fact handichisina mafeelings newe. You are so cheap uye hausi weclass yangu. Isu kwedu we are rich nxaaa, handidanane nemunhu anodya nenyama kamwechete pagore" Ndakanzwa Moyo wangu kurwadza, ndikazviudza kuti dzikama. " Tanaka une chokwadi iwe." " ehe nditori serious" Ndakabva ndatanga kuzhamba, ndakafunga kuti ndairota ndokubva ndatora ruoko rwake ndokubva ndazvipa mbama ndikaziva kuti zvaitoitika. " Tanaka but for the why nhai? Inga ndakakupa humhandara hwangu. Iwe ndiwe wakandibvisa pant yangu ukandibvisa humhandara hwangu. Nhasi wave kuti?" " past Is past nxaaa, ndaida kungorara newe chete. And you are so cheap. Which means chero dai vari Baba vane ndebvu waingobati kwirai kaaah. Ummm shameless. Chisiyana neni hako. Ndave nemumwe wandinoda we class yangu. Ini zvekuteverera vanhu vane nhamo handichada... Unless kana uri kungoda kuti ndikukwire zvekare" Ndakada kumuvhara nembama achibva abata ruoko rwangu. " chimbozviedza uone.... Usada kuzviitisa wanzwa" Akadero achindishonorora ruoko rwangu. Pave paya ndokubva andisiya ndokundisiya ndangoti tuzu, Ndakabva ndangozviwisira pasi ndokutanga kuchema zvinopisa Tsitsi... End of chapter. Stay stuned

Contact Seller on: 0775937782

Reviews

Reviews (0)

Related Products

Feedback